Psalms 32

Pisarema raDhavhidhi neMasikiri.

1Akaropafadzwa uyo
akakanganwirwa kudarika kwake,
akafukidzirwa zvivi zvake.
2Akaropafadzwa munhu
asingaverengerwi zvivi zvake naJehovha,
uye asina kunyengera mumwoyo make.

3Pandakanyarara,
mapfupa angu akarukutika nokuda
kwokugomera kwangu zuva rose.
4Nokuti masikati nousiku
ruoko rwenyu rwakanga ruchirema pamusoro pangu;
simba rangu rakasvetwa
sezvinoita kupisa kwechirimo. Sera

5Ipapo ndakazivisa chivi changu kwamuri
uye handina kuvanza chakaipa changu.
Ndakati, “Ndichareurura kudarika kwangu kuna Jehovha,”
uye makandiregerera mhosva yechivi changu. Sera

6Naizvozvo vose vanoda Mwari ngavanyengetere kwamuri
muchiri kuwanikwa;
zvirokwazvo mvura zhinji ine simba painokwira,
haingasviki kwavari.
7Ndimi nzvimbo yangu yokuvanda;
muchandidzivirira panhamo
uye muchandipoteredza nenziyo dzorusununguko. Sera

8Ndichakurairidza uye ndichakudzidzisa nzira yaunofanira kufamba nayo;
ndichakupa zano uye ndichakurinda.
9Rega kuva sebhiza kana senyurusi,
zvisinganzwisisi asi zvinofanira kupingudzwa
nomukaro kana namatomu,
kana kuti hazvingauyi kwauri.
10Wakaipa ana matambudziko mazhinji,
asi rudo rusingaperi rwaJehovha
runopoteredza munhu anovimba naye.

11Farai muna Jehovha uye mufarisise, imi vakarurama;
imbai, imi mose makarurama pamwoyo!
Copyright information for SnaBDSC